1
Jeremiya 10:23
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Nhai Tenzi! Inga ndinoziva wani kuti munhu haasiri iye pachake anozvirongera gwara rokufamba naro, uye kuti pakufamba munhu haasiri iye anozvitungamirira.
Compare
Explore Jeremiya 10:23
2
Jeremiya 10:6
Hakuna akaita semi imi Tenzi. Imi muri mukuru uye zita renyu imi izita guru kwazvo rine simba.
Explore Jeremiya 10:6
3
Jeremiya 10:10
Asi Tenzi ndiye Mwari wechokwadi, ndiye Mwari mupenyu ndiye Mambo wokugara nokugara. Kana aita hasha nyika inondengendeka, uye ndudzi dzavanhu hadzimbogonana nokutsamwa kwake.
Explore Jeremiya 10:10
4
Jeremiya 10:24
Imi Tenzi, kundidzora, ndidzorei henyu, asi zviri pamwero musina kushatirwa nokuti mungadaro mukaita kuti pangu pandiperere.
Explore Jeremiya 10:24
Home
Bible
Plans
Videos