1
Kutsinhira Mutemo 1:30-31
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano.
Compare
Explore Kutsinhira Mutemo 1:30-31
2
Kutsinhira Mutemo 1:11
Tenzi Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwanzei kazana kakazanirana. Ngaakukomborerei sokukutsidzirai kwaakaita.
Explore Kutsinhira Mutemo 1:11
3
Kutsinhira Mutemo 1:6
Akati, “Tichiri kuHorebhu Tenzi Mwari wedu akatiti, ‘Nguva yamagara pagomo pano, yareba.
Explore Kutsinhira Mutemo 1:6
4
Kutsinhira Mutemo 1:8
Iyoyi ndiyo nyika yandinokupai. Chipindai muitore muiite yenyu. Ndiyo nyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzibaba enyu vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho nezvizvarwa zvavo.’ ”
Explore Kutsinhira Mutemo 1:8
5
Kutsinhira Mutemo 1:17
Musaite chizivano pakutonga. Teererai mhosva yomudiki kana yomukuru zvimwechetezvo. Musanyare munhu uso nokuti kutonga ndokwaMwari. Asi kana kuine mhosva yakaoma yamusingakwanisi kutonga uyai nayo kwandiri ndiinzwe.’
Explore Kutsinhira Mutemo 1:17
Home
Bible
Plans
Videos