1
Mateu 5:15-16
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Vanhu havatungidzi mwenje vachiukwidibira nedengu asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje uchivhenekera vose vari mumbamo. Saizvozvowo, chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka varumbidze Baba venyu vari kudenga.
Compare
Explore Mateu 5:15-16
2
Mateu 5:14
“Imi muri chiedza chapasi. Guta rakavakirwa pagomo harivanziki.
Explore Mateu 5:14
3
Mateu 5:8
Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo nokuti vachaona Mwari.
Explore Mateu 5:8
4
Mateu 5:6
Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami nokuti vachagutswa.
Explore Mateu 5:6
5
Mateu 5:44
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’
Explore Mateu 5:44
6
Mateu 5:3
“Vakakomborerwa zvavo varombo mumweya nokuti umambo hwedenga ndohwavo.
Explore Mateu 5:3
7
Mateu 5:9
Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi nokuti vachanzi vana vaMwari.
Explore Mateu 5:9
8
Mateu 5:4
Vakakomborerwa zvavo vanochema nokuti vachanyaradzwa
Explore Mateu 5:4
9
Mateu 5:10
Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo.
Explore Mateu 5:10
10
Mateu 5:7
Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi nokuti vachaitirwawo tsitsi.
Explore Mateu 5:7
11
Mateu 5:11-12
Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai.
Explore Mateu 5:11-12
12
Mateu 5:5
vakakomborerwa zvavo vakapfava nokuti vachawana nhaka yenyika.
Explore Mateu 5:5
13
Mateu 5:13
“Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu.
Explore Mateu 5:13
14
Mateu 5:48
Nezvo imi munofanira kuva vakaruramisisa sezvakangoita Baba venyu vokudenga vakaruramisisa.”
Explore Mateu 5:48
15
Mateu 5:37
Regai hongu wenyu angova hongu nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya.
Explore Mateu 5:37
16
Mateu 5:38-39
“Makanzwa kuti zvakanzi ziso rinofanira kutsiviwa neziso zino richitsiviwa nezino. Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Usadzivise wakaipa.’ Kana munhu akakurova mbama padama rorudyi mutendeudzire rimwezve.
Explore Mateu 5:38-39
17
Mateu 5:29-30
Kana ziso rako rorudyi richikukonzera kutadza risvukunure urikande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe nhengo yomuviri wako panze pokuti muviri wako wose ukandwe mugomba romoto. Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto.
Explore Mateu 5:29-30
Home
Bible
Plans
Videos