1
Varoma 12:2
Shona Bible 1949, revised 2002
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muedze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.
Compare
Explore Varoma 12:2
2
Varoma 12:1
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo.
Explore Varoma 12:1
3
Varoma 12:12
farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera
Explore Varoma 12:12
4
Varoma 12:21
Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
Explore Varoma 12:21
5
Varoma 12:10
Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.
Explore Varoma 12:10
6
Varoma 12:9
Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.
Explore Varoma 12:9
7
Varoma 12:18
Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
Explore Varoma 12:18
8
Varoma 12:19
Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.”
Explore Varoma 12:19
9
Varoma 12:11
Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe
Explore Varoma 12:11
10
Varoma 12:3
Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe ari pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.
Explore Varoma 12:3
11
Varoma 12:17
Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose.
Explore Varoma 12:17
12
Varoma 12:16
Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera.
Explore Varoma 12:16
13
Varoma 12:20
Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.
Explore Varoma 12:20
14
Varoma 12:14-15
Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema.
Explore Varoma 12:14-15
15
Varoma 12:13
govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo.
Explore Varoma 12:13
16
Varoma 12:4-5
Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose haina basa rimwechete; saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwechete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe.
Explore Varoma 12:4-5
Home
Bible
Plans
Videos