Saka Mwari akavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurasika kwavo.
Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarasika, kuti vaite zvisakafanira