1
VaFiripi 4:6
Shona Bible 1949, revised 2002
Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga.
Compare
Explore VaFiripi 4:6
2
VaFiripi 4:7
Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
Explore VaFiripi 4:7
3
VaFiripi 4:8
Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo.
Explore VaFiripi 4:8
4
VaFiripi 4:13
Ndingaita zvose naiye anondipa simba.
Explore VaFiripi 4:13
5
VaFiripi 4:4
Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.
Explore VaFiripi 4:4
6
VaFiripi 4:19
Zvino Mwari wangu achazadzisa kushayiwa kwenyu kwose papfuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu.
Explore VaFiripi 4:19
7
VaFiripi 4:9
Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.
Explore VaFiripi 4:9
8
VaFiripi 4:5
Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo.
Explore VaFiripi 4:5
9
VaFiripi 4:12
Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa.
Explore VaFiripi 4:12
10
VaFiripi 4:11
Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
Explore VaFiripi 4:11
Home
Bible
Plans
Videos