1
Mateu 27:46
Shona Bible 1949, revised 2002
Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
Compare
Explore Mateu 27:46
2
Mateu 27:51-52
Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa
Explore Mateu 27:51-52
3
Mateu 27:50
Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa.
Explore Mateu 27:50
4
Mateu 27:54
Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
Explore Mateu 27:54
5
Mateu 27:45
Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose.
Explore Mateu 27:45
6
Mateu 27:22-23
Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.” Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!”
Explore Mateu 27:22-23
Home
Bible
Plans
Videos