1
Jakobho 4:7
Shona Bible 1949, revised 2002
Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai.
Compare
Explore Jakobho 4:7
2
Jakobho 4:8
Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.
Explore Jakobho 4:8
3
Jakobho 4:10
Muzvininipise pamberi paIshe, agokukudzai.
Explore Jakobho 4:10
4
Jakobho 4:6
Asi anopa nyasha dzakapfuura. Saka Rugwaro runoti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.”
Explore Jakobho 4:6
5
Jakobho 4:17
Naizvozvo uyo, anoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye ane zvivi.
Explore Jakobho 4:17
6
Jakobho 4:3
Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu.
Explore Jakobho 4:3
7
Jakobho 4:4
Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari.
Explore Jakobho 4:4
8
Jakobho 4:14
imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.”
Explore Jakobho 4:14
Home
Bible
Plans
Videos