1
Genesi 11:6-7
Shona Bible 1949, revised 2002
Jehovha akati, “Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa. Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.”
Compare
Explore Genesi 11:6-7
2
Genesi 11:4
Vakati, “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.”
Explore Genesi 11:4
3
Genesi 11:9
Naizvozvo vakaritumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose.
Explore Genesi 11:9
4
Genesi 11:1
Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe.
Explore Genesi 11:1
5
Genesi 11:5
Ipapo Jehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchivakwa navanakomana vavanhu.
Explore Genesi 11:5
6
Genesi 11:8
Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo.
Explore Genesi 11:8
Home
Bible
Plans
Videos