Zvino zvakati kana Mosesi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda. Asi maoko aMosesi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.