1
1 Petirosi 4:8
Shona Bible 1949, revised 2002
Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.
Compare
Explore 1 Petirosi 4:8
2
1 Petirosi 4:10
Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
Explore 1 Petirosi 4:10
3
1 Petirosi 4:11
Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye ano kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
Explore 1 Petirosi 4:11
4
1 Petirosi 4:16
asi kana munhu achitambudzika nokuda kwokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari nezita iri.
Explore 1 Petirosi 4:16
5
1 Petirosi 4:7
Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo; naizvozvo ivai vakachenjera, musvinure kuti munyengetere.
Explore 1 Petirosi 4:7
6
1 Petirosi 4:12-13
Vadikanwi, musashamiswa nokunyanyisa kwokuedzwa pakati penyu, kwakauya kukuedzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi; asi farai zvamunogovana naKristu mukutambudzika kwake, kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru.
Explore 1 Petirosi 4:12-13
7
1 Petirosi 4:9
Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti.
Explore 1 Petirosi 4:9
8
1 Petirosi 4:19
Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.
Explore 1 Petirosi 4:19
9
1 Petirosi 4:1-2
Naizvozvo, Kristu zvaakatambudzika panyama, nemiwo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu akatambudzika panyama arega zvivi; kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.
Explore 1 Petirosi 4:1-2
10
1 Petirosi 4:14
Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu
Explore 1 Petirosi 4:14
Home
Bible
Plans
Videos