1
1 Petirosi 1:3-4
Shona Bible 1949, revised 2002
Mwari, Baba vaIshe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, akatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga
Compare
Explore 1 Petirosi 1:3-4
2
1 Petirosi 1:6-7
Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji; kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu
Explore 1 Petirosi 1:6-7
3
1 Petirosi 1:15-16
asi saiye mutsvene akakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambiro wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
Explore 1 Petirosi 1:15-16
4
1 Petirosi 1:14
muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambiro wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu
Explore 1 Petirosi 1:14
5
1 Petirosi 1:13
Saka zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu
Explore 1 Petirosi 1:13
6
1 Petirosi 1:24-25
Nokuti, “Nyama yose yakaita souswa, Nokunaka kwose seruva rouswa. Uswa hunosvava, neruva rinowira pasi; Asi shoko raIshe rinogara nokusingaperi.” Ndirori shoko romufaro ramakaparidzirwa.
Explore 1 Petirosi 1:24-25
Home
Bible
Plans
Videos