1
Mateo 10:16
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka cenjerai senyoka, mururame senjiʋa.
Compare
Explore Mateo 10:16
2
Mateo 10:39
Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana.
Explore Mateo 10:39
3
Mateo 10:28
Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena.
Explore Mateo 10:28
4
Mateo 10:38
Usiŋgatori mucinjikwa wake, akanditeʋera, haana‐kufanireni.
Explore Mateo 10:38
5
Mateo 10:32-33
Mumŋe nomumŋe ucandipupura pamberi paʋanhu, neni ndicamupupura ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Asi mumŋe nomumŋe unondiramba pamberi paʋanhu, neni ndicamuramba ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
Explore Mateo 10:32-33
6
Mateo 10:8
Poresai ʋanorwara, mutsai ʋakafa, natsai ʋanamaperembudzi, ɓuɗisai mŋeya yakaipa. Makaŋgopiwa henyu, ciŋgopai henyu.
Explore Mateo 10:8
7
Mateo 10:31
Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji.
Explore Mateo 10:31
8
Mateo 10:34
Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuisa rugare panyika; handina‐kuʋuya kuisa rugare, asi kurwa.
Explore Mateo 10:34
Home
Bible
Plans
Videos