1
Muparidzi 2:26
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munhu, unomufadza, unopiwa ʋucenjeri, neziʋo, nomufaro; asi mutadzi unopiwa kutambudzika, kuti aʋuŋganidze nokututira, agoɀipa mumŋe unofadza Mŋari. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo.
Compare
Explore Muparidzi 2:26
2
Muparidzi 2:24-25
Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari. Nokuti ndiani uŋgadya, ndiani uŋgafarira cinhu kunze kwake?
Explore Muparidzi 2:24-25
3
Muparidzi 2:11
Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa.
Explore Muparidzi 2:11
4
Muparidzi 2:10
Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose.
Explore Muparidzi 2:10
5
Muparidzi 2:13
Ipapo ndakaʋona kuti ʋucenjeri bgakanaka kupfuʋura ʋupenzi, ɀiciita seciedza cakanaka kupfuʋura rima.
Explore Muparidzi 2:13
6
Muparidzi 2:14
Meso omunhu wakacenjera ari mumusoro wake, asi ɓenzi rinofamba murima; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaʋona kuti ʋose ʋanowirwa necinhu cimŋe cete.
Explore Muparidzi 2:14
7
Muparidzi 2:21
Nokuti munhu uri’ko wakaɓata noʋucenjeri neziʋo noʋumhizha; kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kuɀisiyira mumŋe, uʋe mugoʋe wake, usinakutoŋgoɀitamburira. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, cinhu cakaipa kwaɀo.
Explore Muparidzi 2:21
Home
Bible
Plans
Videos