1
Mavambo 1:26-27
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi.
قارن
اكتشف Mavambo 1:26-27
2
Mavambo 1:28
Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”
اكتشف Mavambo 1:28
3
Mavambo 1:1
Pakutanga Mwari akasika denga napasi.
اكتشف Mavambo 1:1
4
Mavambo 1:2
Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura.
اكتشف Mavambo 1:2
5
Mavambo 1:3
Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
اكتشف Mavambo 1:3
6
Mavambo 1:31
Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu.
اكتشف Mavambo 1:31
7
Mavambo 1:4
Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
اكتشف Mavambo 1:4
8
Mavambo 1:29
Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu.
اكتشف Mavambo 1:29
9
Mavambo 1:5
Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga.
اكتشف Mavambo 1:5
10
Mavambo 1:6
Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.”
اكتشف Mavambo 1:6
11
Mavambo 1:30
Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.
اكتشف Mavambo 1:30
12
Mavambo 1:14
Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore.
اكتشف Mavambo 1:14
13
Mavambo 1:11
Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo.
اكتشف Mavambo 1:11
14
Mavambo 1:7
Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo.
اكتشف Mavambo 1:7
15
Mavambo 1:12
Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
اكتشف Mavambo 1:12
16
Mavambo 1:16
Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi.
اكتشف Mavambo 1:16
17
Mavambo 1:9-10
Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
اكتشف Mavambo 1:9-10
18
Mavambo 1:22
Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.”
اكتشف Mavambo 1:22
19
Mavambo 1:24
Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo.
اكتشف Mavambo 1:24
20
Mavambo 1:20
Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.”
اكتشف Mavambo 1:20
21
Mavambo 1:25
Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka.
اكتشف Mavambo 1:25
الصفحة الرئيسية
الكتاب المقدس
خطط
فيديوهات